Acts 14

Pauro anoparidza paIkonio

1Zvino zvakaitika paIkonio, vakapinda pamwe musinagoge reVaJudha, vakataura kudai zvekuti chaunga chikuru cheVaJudha necheVaGirikiwo chakatenda. 2Asi VaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama. 3Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe anopupurira shoko renyasha dzake, uye anovapa kuti kuitwe zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo. 4Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva neVaJudha, vamwewo nevaapositori. 5Zvino kwakati kwava nekushushwa kwevahedheni nekweVaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe, 6vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza; 7neipapo vakaparidza evhangeri.

8Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. 9Uyu wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti ane rutendo kuti aporeswe, 10akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba. 11Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu. 12Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Herimesi, nokuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura. 13Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubaira pamwe nezvaunga. 14Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira, 15ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri. 16Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vese kufamba nenzira dzavo. 17Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka akatipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nekudya nemufaro. 18Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kugumisa zvaunga kuti vasabaira kwavari.

19Asi kwakasvika VaJudha vakabva Andiyokiya neIkonio, vanyengetedza zvaunga, zvino vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachifunga kuti wafa. 20Asi vadzidzi vakati vamukomba, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akabuda naBhanabhasi akaenda kuDhebhe. 21Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkonio neAndiyokiya, 22vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji. 23Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari. 24Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya. 25Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria; 26vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari pabasa ravakange vapedzisa. 27Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvese Mwari zvaakange aita navo, uye kuti wakange azarurira vahedheni mukova werutendo. 28Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.

Copyright information for Shona